Jeremiah 24

Tswanda Mbiri dzaMaonde

1Shure kwokutapwa kwaJehoyakini mwanakomana waJehoyakimi mambo weJudha pamwe chete namachinda, navavezi, navapfuri vesimbi veJudha vachibviswa kuJerusarema vachiendeswa kuBhabhironi naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi, Jehovha akandiratidza tswanda mbiri dzine maonde dzakaiswa pamberi petemberi yaJehovha. 2Imwe tswanda yaiva namaonde akanaka kwazvo, akaita seaya anotanga kuibva; imwe yacho yaive namaonde akaipa chose, zvokuti akanga asingagoni kudyiwa.

3Ipapo Jehovha akandibvunza achiti, “Uri kuoneiko Jeremia?”

Ini ndakapindura ndikati, “Maonde. Akanaka acho, akanaka kwazvo, asi akaipa acho akaipa zvokuti haangadyiwi.”

4Ipapo shoko raJehovha rakauya kwandiri rikati, 5“Zvanzi naJehovha, Mwari weIsraeri, ‘Sezvakaita maonde aya akanaka, saizvozvo ndicharangarira zvakanaka vatapwa vakabva kuJudha vandakatuma kubva panzvimbo ino ndichivaendesa kunyika yeBhabhironi. 6Meso angu acharingira kwavari nokuda kwokunaka kwavo, uye ndichavadzosazve munyika ino. Ndichavavaka uye handingavakoromori; ndichavasima uye handingavadzuri. 7Ndichavapa mwoyo wokundiziva, kuti ndini Jehovha. Vachava vanhu vangu, uye ini ndichava Mwari wavo, nokuti vachadzokera kwandiri nomwoyo wavo wose.

8“ ‘Asi sezvakaita maonde akaipa, iwo akaipa kwazvo zvokusagona kudyiwa,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘saizvozvo ndichaitira Zedhekia mambo weJudha, namachinda ake, navaya vakasara muJerusarema, kunyange vakasara munyika ino kana vagere muIjipiti. 9Ndichavaita chinhu chinovengwa, nechinhu chakaipa kuushe hwose hwenyika, chinhu chinoshorwa, neshumo, chinhu chinosekwa nechinotukwa kwose kwose kwandinovadzingira. 10Ndichavatumira munondo, nzara, nehasha pamusoro pavo kusvikira vaparadzwa kubva panyika yandakavapa ivo namadzibaba avo.’ ”

Copyright information for SnaBDSC